HUPENYU NDOZVAURI
- deanepersonage
- Feb 26, 2023
- 2 min read
HUPENYU NDOZVAURI
By DDP DEAN POETRY
**CHAPTER ONE**
Ndaingoita zvokunzwa kuti zvemoyo zvinogona kukonzera zvizhinji pamunhu. Hama ndati Kana pfungwa dzikawandirwa unoziva unonyatsonzwa kuti pano pfungwa dzakaremerwa.
Zvisinei ini Tapiwa ndiri mukoma ane makore makumi mashanu okuzvarwa ndakaberekerwa kuManicaland kwaMutare kuMakomoyo , kuHonde Valley pachipatara chepaHauna.
Ndiri munhu akakura achifarira kuverenga mabook echirungu asi kunyanya Chishona izvo zvakandiita kuti ndizove shasha yamandorokwati pakudzidza kwangu kunyangwezvo chaive chipo chiri mandiri .
Ndiri munhu aive nechinono, zvinhu zvangu zvose ndaiita ndichinonokera zvangu pasina kuvhunduka kunyangwe kudya chaiko .
Ndaitogona kutoti ndichienda kuchikoro nevamwe ndaitongoti chero mdikanzwa bhero kurira vamwe vaitomhanya vachiti vanonoka asi ini ndaitonanaira zvangu sakamba toti toti ndichienda, ndaisarega hangu kuenda kuchikoro asi ndaisavhundukira zvinhu.
Ndakangokura ndakadero, asi nyaya imwe yaindibata bata ndeyekutotesa machira zuva roga roga rakasikwa naMwari, izvi zvaindibhowa asi chokuita painge pasina hapo. Rimwe zuva ndakatonyatsomuka zvekuma2 mangwanani ndisina kana kutota ndikafara hope dzikazondibata kwave kuenda kuma4, pandakazomuka kuma6 wanei mabhurukwa nemagumbeze zvakati nyakata kutota ,apa ndaive ndiri grade 5 .
Izvi zvakaitika kwenguva asi ndainyara zvakanyanya sezvo nguva yechando unomuka uchitonhorwa chaizvo kunge wakarara mumvura,
Ndakazongokura ndakadaro zvangu, kusvika ndave form 2,zvakatanga kudzikirawo zvichidzikira dzamara zvazopera.
Chinhu chaindibhowa ndechokuti ,ndaiti ndikashanya ndaisatotesa asi kana ndave pamba chete inenge ingori nyabwada, ko zvaidiibkungomirawo kana ndave pamba pedu futi.
Magumbeze angu aigara akayanikwa ari **online** 😅
Zvisinei ndakakurawo ndikatangawo kudzidzira zvokupfimba pfimba izvi, asi ndiri kuchikoro ndaiita asi ndaitya kufoira sezvo ndainzi zvinofoirisa saka ndaiisa malimitations akawanda dzamara ndapedza kunyora form 4 yangu.
Ndichangopedza chete ndakatsvagawo chisikana chekufambidzana nacho apa ndaive nemakore gumi nemapfumbamwe sezvo ndainge ndakati nonokei kuenda kuchikoro.
Hoyo mwanakomana Tapiwa nechisikana Tadiwanashe, zvakapengesana zvokuti dunhu rose rakaguma roziva, asi vabereki vangu vaiti vakabvunza ndaingoramba kunakura nyoka mhenyu chaiyo nokuti ndaiziva kuti amai vangu nemudyiro wavo wemagaka mambishi zvaizoperera kwamuchazvidemba.
Ndakazongokurumidza kuvharisa madhiri angu sezvo ndainge ndoona mwanasikana ave kuwanza wanza tukomana futi.
Ndakatofara nokuti zvaindinetsa kubuda murudo 😂 asi apa nyaya yacho yakazvitonga yoga,
Chikomana chakazonotora maresults wanei chikoro ndakatopasa ndiye uyo kumberi nechikoro kusimudzira.
Ndakaita A'LEVEL yangu ndikapasa zve asi kuzoti mari batika mari ikati wakandiisa riini iwe.
Vanhu vaMwari ndaikanga waya nekugocha bhutsu asi ndinopa kutenda kunaamai nababa vangu vakandidzidzisa kunamata.
Ndakanamata zvakasimba Baba vangu vakawana basa havo voshanda paye.
Satan munongozivawo haanete kuedza , ndisingazivewo kuti pfungwa yekudhakwa yakazobva nekupi ,hawo votanga kudhakwa zvinhu zvikabva zvanyatsoti shwe kusunga. Ipapa tainge tave kukuya nyemba nemusana tichidya nhoko dzezvironda.
Zvazvainge zvakadaro ndaingoyeuka kuti kudenga kuna Mwari saka nemabvi ndaipfugama kukumbira guidance yedenga.
Zvisinei baba wangu vakazongoendawo kuSouth Africa ndikafara sendichabata denga kuti Mwari apindura munamato wangu,asi handide kushora Mwari nokuti mapinduriro avo Mwari anosiyana somuenzaniso, ngatimboti ndine rwendo rwekuenda kuHwange National Park kunoona mhuka dzesango, zviri pachena kuti ndinotombonamata ndichikumbirira rwendo rwangu.Ndopinda munzira ndini uyo hutu ndakananga kuHwange, ndave kusvika ndoona nzou mbiri dzakavhara road. Nzou dzoita kana maminetsi mashanu dziripo ndoona zimuti zirefu richidonha pamberi pedu, mushure nzou dzobva dzaenda zvadzo.
Mubvunzo : ko dai nzou dzisina kumira munzira ndaipadarika here padonhera muti kana kwete?.
Saka Mwari vanoita zvinhu zvavo zvose vane chikonzero nguva yavo inosvika chete usamhanyira zvinhu.
Nokudaro baba vangu vaenda kuSouth tikati hewo haa zvanaka ka nyamba kunwa doro kwaive paAdvanced level sekunge vakazvarwa wakadero.
Amai sezvo vaive vakandidzisa kunamata handina kuneta zvangu dzamara rasvika zuva randakaendawo kuSouth kuye ndikati masango avhurika. Haiwa zvainge zvondifadza nokuti ndakafarisisa musi wandakwira Bhazi kuenda kuSouth haiwa sendiri mudenga rechinomwe chairo...
Asi zvakazoitika ndezvekudai....
TO BE CONTINUED...
Comments